Psalms 66

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo. Pisarema.

1Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!
2Imbirai mukurumbira wezita rake;
murumbidze zvikuru kukudzwa kwake!
3Muti kuna Mwari, “Mabasa enyu anotyisa sei!
Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu
vanodedera pamberi penyu.
4Nyika yose inokukotamirai;
vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza,
vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu.” Sera

5Uyai muone zvaitwa naMwari,
mabasa ake anotyisa sei pakati pavanhu!
6Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma,
vakafamba nomumvura zhinji netsoka dzavo,
uyai, ngatifarei maari.
7Anotonga nokusingaperi nesimba rake,
meso ake anocherechedza ndudzi,
vanomumukira ngavarege kumisidzana naye. Sera

8Rumbidzai Mwari wedu, imi vanhu,
inzwi rokurumbidzwa kwake ngarinzwike;
9iye akachengetedza upenyu hwedu
netsoka dzedu kuti dzirege kutedzemuka.
10Nokuti imi, iyemi Mwari, makatiedza;
mukatinatsa sesirivha.
11Makatipinza mutorongo
mukatitakudza mitoro pamisana yedu.
12Makabvumira vanhu kukwira pamisoro yedu;
takapinda mumoto nomumvura,
asi makatiisa kunzvimbo ine zvakawanda.

13Ndichauya nezvibayiro zvinopiswa kutemberi yenyu,
ndigozadzisa mhiko dzangu kwamuri,
14mhiko dzandakavimbisa nemiromo yangu,
uye muromo wangu wakataura pandakanga ndiri munhamo.
15Ndichakubayirai mhuka dzakakora
nechipiriso chamakondobwe;
ndichabayirawo hando nembudzi. Sera

16Uyai munzwe, imi mose munotya Mwari;
ndikuudzei zvaakandiitira.
17Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.
18Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu,
Ishe aidai asina kundinzwa;
19asi zvirokwazvo Mwari akateerera
akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.
20Mwari ngaarumbidzwe,
iye asina kuramba munyengetero wangu.
Kana kudzivisa rudo rwake kwandiri!
Copyright information for SnaBDSC